fbpx
Zimbabwe News and Internet Radio

Kare kare pasi pasati parohwa nenyundo

By Tino Chinyoka

Kare kare, pasi pasati parohwa nenyundo, (always wondered who that naughty person with the hammer was and why he did what he did), kwaive neimwe harahwa yairamba kubva paUshe. Vanhu vakatambudzika neharahwa iyoyo, nokuti yakange isina nyadzi kana tsitsi nevanhu.  

Tino Chinyoka
Tino Chinyoka

Pakambomuka zvi murenga zvidiki, nanhu vekumadokera vasinga di kutongwa nako kababa ikako, harahwa iya ikazvitsvanya zvi murenga izvozvo se inda yapinda mushashiko. Kumavirira kunyika yemakomo a Mwari e Matopo kwakatumirwa mauto ehutsinye, akanga adzidziswa humhondi rerimwe zi kaburasha rainzi Kimu Iri Sun’u, kukaurawa vanhu vanopfuura zvuru makumi maviri. Madzimai akazitakura aichekwa matumbu hanzi wakasenga mupanduki, vakuru vachigurwa makumbo hanzi musazotiza patinodzoka.

Zvakaramba zvakadaro vanhu vachingoitwa nhapwa munyika mavo ne harahwa iyoyo.

Mukati memachinda eharahwa iyi makaitawo vamwe vaida kusimudza musoro, kana kuti kureurura mhosva dzavo, vose vakatsakatika mutsaona dzisina akaziva kuti nhai chii. Machinda makuru anosanganisa vana Ndangana, Duri, Ushewokunze, Nyagumbo, Tongogara, Rex Nhongo, Masuku, Marunga, vose vakafa firo isina kuzikamwa kuti chii. Vechikuru vaiziva harahwa iyi vakangodzungudza misoro michena vakati nechomumwoyo: inga huku yapedza mazai ayo pamusha pano.

Harahwa iyi zvayaisimbira kutonga, kwaingova kuita undyire, nokuti kutonga kwacho yakanga isinganyatsogona. Munyika umu maiva neupfumi, mucheyerera uchi nomukaka. Asi zvose zvakatanga kushata, vanhu vakashaya kuti nyoka yapinda mumba yoitwa sei. Kwakatsvakwa n’anga dzeupfumi dzaiti vana Chidzero, uyu akabva afawo nekuremerwa nebasa racho, pakaiswa dzimwe dzanga dzisinawo kana ruzivo nokuti hupfumi humowanikwa sei. Pakapindawo rimwe zin’anga rainzi Gono, rikamira mira nayo nyaya yokubika upfumi, vanhu vachinzi nhasi mune zvakati, asi mangwana vomuka kuwana kuti hapana chavakabata. Munhu umwe chete akafuma mazuva iwayo ndiyo n’anga yacho iyoyo.

Nokufamba kwenguva, kwakazomuka mumwe murume, murume uyu aizikamwa nokuva munhu ane ushingi nekusatya twese twaikandwa kwaari neharahwa iya. Akanga abuda mubashandi vaitsvaka ndarama dzinotengeswa kuma ngezi kunyika dziri kure kure kumavirira. Murume uyu aiva muManyika weSave, aibva kuvaHera kudunhu raMambo Nyashanu, mumaninga muya mairwirana nevana vokwa Muzerengwa nevatengesi vokwa Gotora. Murume wacho ainzi Tsvangirai.

Pese paiitika zviitiko izvi, harahwa iya yainzwikwa ichingoimba rumbo rwakanga rwamboimbwa nomwana wokwa Makoni rwuchiti:

Related Articles
1 of 29

Handiende! Handiende! Kana ari Tsvangirai, Ngaauye totonga tese, Ini Handiende

Sezvineiwo, mamwe makore harahwa iya yaifurirwa nedzimwe harahwa nemharapatsetsetse dzayaifamba nadzo, zvichinzi ngatibvunzei varanda vedu vasarudze pakati penyu ne murume uyu. Zvainzi paya patakaita sarudzo takamubira nyembe yake, tinozvigona zvekare.

Kutaura kudai, panguva dzokupedzisa kwayo harahwa iya kwaive kuziva kuti vakange vavhindutsira vanhu kuti vasarudze harahwa iya kechinomwe, kuitira kuti itonge makore anosvika makumi matatu nemapfumbwe.

Harahwa dziya dzakatanga kufambisa mashoko akaipa pamusoro pomurume uya. Dzakauraya mudzimai wake, zvikanzi itsaona. Vaiziva tsika dzayo harahwa iya vakangoti zvavo zii, sevanhu vaiziva kuti shiri ine muririro wayo haiuregi. Harahwa idzi dzakarova vanhu vaifarira Save uya, kusanganisira machinda ake, rimwe rainzi Chamisa rimwe richinzi Biti. Dzakaenda norweseri ndokunopa mamwe machinda ake anga abva munyika dzekumavirira minda, mombe nemadzimai kuti vaedze kubvutira murume uya vanhu vake. Zvese izvi hazvina kuvhundusa Save, jinda reVaHera.

Harahwa dzikaminamina kutsvaka zvimwe. Dzakaedza kumurambidza kuroora kechipiri, ndokutsvaka madzimai akazvarwa chembere dzaenda kudoro (saka vasina kurairwa) kuti vauye kuedza kumunyadzisa mumaziso evanhu. Zvose izvozvo hazvina kushanda, kunyanya nokuti iko kaharahwa kekutonga kaye kakanga kamboitawo chisingaitwi chokupa nhumbu mushandi wepamusha pamambo ivo mambokadzi varipo vachirwara.

Harahwa idzi hadzina kugumira ipapo. Dzakarega vana vechidiki vachitiza munyika, vachinoita vapoteri nenhapwa kunyika dziri kure. Vamwe dzaitoita vokudzinga.  Mushure mezvo, harahwa dziya ndokuti hanzi wese angobuda munyika muno haasisiri wedu, pasarudzo hatimudi.

Kunyika iri kumabvazuva kwakazowanikwa ngoda, ikava batai-batai harahwa dziya dzichirwirana kudya. Pakava nokuchema pamwechete nokugedageda kwe mazino harahwa dzatumira mauto kunouraya vanhu vaigara munyika manga mawanikwa ngoda imomo.

Mukutambura kwese uku, murume uya we ushingi aingotaura kuti nhai vanhu, ndibatsireiwo nditore ushe ku harahwa iyi. Asi vanhu vaikonewa, nokuti harahwa iya yakange yaputira nyika nokuvhunditsira.

Zvakaramba zvakadaro kwe makore ne makore. Mukufamba kwe makore, harahwa dziya dzakazowedzera utsinye nokushaya hanya nevanhu. Pakatanga kumuka vechidiki vanga vakaenda kunyika yeku chamhembe, vakadzoka vongodaidzira kuti “Asijiki!” Harahwa dziya hadzina kuziva kuti zvairevei.

Sezvineiwo mukati meharahwa dziya makazomukawo imwe nhubu yaizvidana ichiti Baba Jukwa. Harahwa iyi vamwe vaiti mubvandiripo wekwa Goreraza we harahwa yokutonga, vamwe zvikanzi mwana wehanzvadzi ye harahwa yokutonga wekwa Zhuwawo, asi chokwadi chaive chokuti hapana aiziva kuti chokwadi chaicho Baba Jukwa ava vaive ani. Harahwa dzakatambura nokusaziva chokuita, ikange yangova batai batai mudzimba hapwa dzava kufumurwa pachena.

Ipapo, nokuda kwokuti harahwa idzi dzaive nehuwori, dzichisanganisa pakati padzo mbavha, mhondi, mbwende nezvimbwasungata, vanhu vakazoshamisa harahwa dziya vamira pamwe nukusarudza murume uya, nokuti zvakanga zvanyanya.

Tosimudzira mberi norungano pane mamwe mazuva anotevera…

Comments