By Tinomudaishe Chinyoka
Karekare, shumba nezhou zvichiri kutonga nyika yamadzitateguru, vavhimi vachiri hwitakwi, hamburamakaka dzevarume vaizikamwa nemazita emadanhurigwa savana Chisengan’ombe Mbudzi Ihata, tsikombi dzichafamba dzichinyemwerera varume vadzaida kuti vadziite musengabere, mukati menyika yeMapungubwe, kwaiva neumwe Mambo aitonga nohutsinye hwaizikamwa mbiri kubva kuSena kusvika Makgalakgadi. Mambo uyu ainzi Matibiri.

Hutsinye hwaMatibiri hwairidza muridzo nokukanga rukweza. Kungokosora zvisirizvo waitsakatika, kungoti bufu worobwa kunge nyoka yapinda mumba. Zvaipisa tsitsi, zvichisiririsa kunge kurumwa kwenherera nebere rambuya vepamba.
Vanhu veMapungubwe hapana kana umwe wavo aiziva kuti dzinde rokwaMatibiri raibvepi. Harahwa dzaizevezerana kuti anga asiri wemuMapungubwe, asi kuti aiva mwana weimwe tsikombi yakabhinywa neimwe nhapwa yanga yabva kuvaChewa, kuvaredzi vekuNyasa, ikazotiza mhaka yayo ndokunotsakatikira kunyika yavaRozvi mberi kwedziva raMwari reMatopo.
Kunyangwe zvazvo Mambo Matibiri anga ari munhu anobva kure, iye waiti ukamuteerera aitotaura sekuti ndiye chaiye Mapungubwe acho. Zvinonzi rimwe zuva akabvunzwa nerimwe svikiro rainzi Amanipore kuti vanhu veMapungubwe vari kushuvira kukuwonekai, iye Matibiri ndokuti “Vari kuenda kupi?” kunge asingazivi zvake kuti svikiro rairevei.
Chainyanya kun’un’una vanhu mwoyo chichidzungaidza chembere nevadiki kunge gangaidzwa revavigi kunhuwa kwewakafa ndechekuti Mambo Matibiri aiva nomwoyo wakasviba, aikara, uye aiva nehundlire.
Munhu wese munyika aiziva kuti pakamboita dzvukedende rechigagaigwa chomukadzi, anga aine makore makumi maviri nerimwe, anga aine murume wake, asi Matibiri paakangomuona akabva amutora. Panguva iyi Matibiri anga ava nemakore makumi matanhatu nematatu. Zvinonzi mukadzi uyu akadawo kunogara kwakanaka, asi shungu dzokutogwa nerudhara dzikamuwomesa mwoyo segomarara, vanhu ndokumupa zita rokuti Marujata.
Kumavirira kwenyika kwaigara vanhu vainzi naMatibiri vaTorwa. Vanhu ava vanga vakavuya munyika makore mazhinji nhapwa yokuzobata mai vaMatibiri isati yambobatwa kuNyasa kwayo, asi Matibiri waisavafarira vanhu ivava. Vazhinji vaiti zvaibva mukuti pakatiza nhapwa iya yanga iri baba vake, yaitizira kunowana mukadzi kuvaTorwa ivavo, saka mwoyo waMatibiri wainetseka neshungu.
Zvaigarotaurwa nevakuru kuti Matibiri akatumira hondo dzake shanu ikoko kunyika yemavirira, dzikanoita chisakaitwa ikoko, rikava bataibatai madzimai akazvisenga achichekwa matumbu vanhu vachivigwa mumakuva vakawanda kuti zvisazikamwa kuti kwavurawa vangani.
Manje, rimwe gore munyika yeMapungubwe makaita zhara. Nyaiva zhara yokuti varume vakuru vaigara vakavanda musango vachitiza dzimba kuzeza kuvona vana vavo vachiziya nezhara. Yaiva nhamo yemazvirokwazvo, ngwavaira tateguru wenhamo yaitenderera mudzimba, nyika ikasemesa kugara zvokuti vazvhinji vakatizira mhiri kwegwizi rukuru gwaiva kuchamhembe kunotsvaka chokubata.
Nhamo yaikambaira munyika zvokuti chero munyu kwanga kusisina.
Sezvineiwo, munyika makabva mawanikwa ngoda, rinova dombo rinopenya kunge tsvarakadenga dzekwaMoyo dzekwaGutu. Zvaizikamwa kuti vasina mabvi vaigara vachivuya muMapungubwe kutsvaka ngoda idzodzo.
Padzakawanikwa, vanhu vazhinji vakamhanyira kunoworera, asi Matibiri nomukadzi wake Marujata vakatumira mauto avo, kukafiwa nokurobwa vanhu munyika mengoda. Matibiri ndokutora zvose, opa hama neshamwari dzake nedza Marujata.
Vanhu vakaramba vachingokwangwaya iye Matibiri achingoti handiende.
Sezvineiwo, Mwari haasi benzi. Vanhu vakakatyamara kuvona kuti Matibiri, nemari yose yengoda, anga achitambura nechigwere. Vamwe vaiti igomarara. Ganda rake ranga rachena kunge guvugwa renyoka yakwegura, zvokuti panga pasisaratidzi kuti ruvoko gwomunhu here kana kuti gwechitupwani.
Pamusoro pezvo, Mwari ndokurova Matibiri neshamhu yenhamo. Mukadzi aigara achingobuda munyaya dzokunzi ari kutasviwa sedhongi, zvokuti kunyangwe aidzinga vamwe varume vacho munyika, vaisara vanga vakawanda. Hapana mumhu aiziva kuti nyaya idzi dzaiva dzechokwadi here kana kuti kwete, aai chembere dzaizevezera kuti hakina chiutsi chisina mwoto. Ukuwo vanakomana vake kusanganisira nevanji wake vaingomberereka semarombe.
Vanhu veMapungubwe vakaramba vachingotambura naMatibiri, asi hapana aigona kumubvisa. Vamwe vakadana Mwari, asi iye Mwari anonzi aizeza kumutora nokuti aitya kuti Satani aizinomunetsa kuti inga wani makati Gehena nderangu nokuti ndiri mutadzi mukuru asi pana Matibiri ndiri nani saka ndodavo denga. Midzimu yaisada kumutora nokuti semwana wemunhu aibva kure, hapana waiziva mutupo wake.
Asi, rimwe zuva, Matibiri uya akapfukirwa akazour…….(*sarungano haana kuzopedzisa nokuti akangotsakatika sezvinoita vamwe vanoshoropodza Matibiri.)
As told to
Tinomudaishe Chinyoka
Tinomudaishe Chinyoka is a UK based lawyer and prominent former student leader at the University of Zimbabwe
Discover more from Nehanda Radio
Subscribe to get the latest posts sent to your email.





