fbpx
Zimbabwe News and Internet Radio

Poem : Rauya Bond.

By Nkosilathi Emmanuel Moyo,Snr.

Yakagadzwa hadyana yemutakunanzva wehwohwa

Vakange vanyatsoibika mbuya vaTarisai

Kuikwenenzvera sare yatsvukira sekunonzi inyama

Zvinaniko chaive chivharanhomba

Hwohwa hausi nyama igaroziva wani

Ndinoreva iro bond note radai kuti pfacha mune dzedu hombodo

Gushungo kutoshandisa avo masimba

Kurimbunyikidza kuruzhinji sekunonzi imari

Kwavo kusanyara rudziiko kubira varombo

Kudyawo nembuva yenherera matiwo isare nei

Related Articles
1 of 3

Inga matiisa parumananzombe chaipo.

Rauya bond note chivharanyadzi

Hunzi rakaenzana ne US Dollar

Bvu-u sekai henyu Bvumavaranda kuseka nhamo serugare

Inga mashura mudunhu

Uri Kristu here nhai Mangudya

Akasandura mvura kuita waini pamuchato weKana

Iwe kudyorera mapepa wototi yave mari

Inga mapererwa kubatwa nechadzimira kuchinaya

Enyu mazano asara kusvuta nekukama varombo

Hero bond rombunyikidzwa kuruzhinji

Regai tione kuchawira tsvimbo nedohwe

Economy ne bond note gonzo nachin’ai regai zvitosvorane

Zvazokuomerai vagoni

Rauya bond chisvetavarombo chehurumende

Comments